Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 1:14-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Zvisikwa zvaimhanya zvichienda mberi zvichidzoka semheni inopenya.

15. Ndakati ndichitarira kuzvisikwa zvipenyu, ndakaona vhiri riri pasi porutivi rwechisikwa chimwe nechimwe nezviso zvacho zvina.

16. Uku ndiko kwaiva kuratidzika namagadzirirwo amavhiri acho: Akanga achivaima sebwe rekristaro, uye zvose zviri zvina zvakanga zvakafanana pakuonekwa kwazvo. Pakuonekwa kwawo napamagadzirirwo awo akanga akaita sevhiri rimwe riri mukati merimwe vhiri.

17. Pakufamba kwazvo, zvaigona kuenda neimwe yenzira ina dzakanga dzakatariswa nezvisikwa zvina; mavhiri akanga asingatsauki zvisikwa pazvaifamba.

18. Marimu acho akanga akakwirira uye aishamisa, uye marimu ose ari mana akanga azere nameso kwose kwose.

19. Zvisikwa zvipenyu zvaiti kana zvofamba, mavhiri aiva parutivi ofambawo; uye kana zvisikwa zvipenyu zvikasimuka kubva pasi, mavhiri aisimukawo.

20. Kwose kwaienda mweya, zvaiendawo, uye mavhiri aisimuka pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri.

21. Zvisikwa pazvaifamba, iwo aifambawo; paimira zvisikwa, naiwo aimirawo; uye paingosimuka zvisikwa kubva pasi, mavhiri aisimukawo pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri.

22. Kumusoro kwemisoro yezvisikwa zvipenyu kwakanga kwakawaridzwa chinhu chakaita sedenga, chaivaima sechando uye chaishamisa.

23. Pasi pedenga mapapiro azvo akanga akatambanudzwa, bapiro rechimwe chisikwa richinosangana nebapiro rechimwe chisikwa, uye chimwe nechimwe chaiva namapapiro maviri akafukidza muviri wacho.

24. Zvisikwa zvaiti zvofamba, ndainzwa kuunga kwamapapiro azvo, zvichitinhira semvura zhinji, senzwi roWamasimba Ose, sebope ravarwi. Zvaiti zvikamira zvaideredza mapapiro azvo.

25. Ipapo inzwi rakasvika richibva kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pazvo, pazvakanga zvakamira zvakaderedza mapapiro azvo.

26. Kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pemisoro yazvo, kwakanga kune chinhu chairatidzika sechigaro choushe chakaita sebwe resafuri uye pamusoro-soro pechigaro choushe pakanga pano mufananidzo wakaita sowomunhu.

27. Ndakaona kuti pane zvairatidzika sechiuno chake zvichikwira kumusoro, akanga akaita sedare romoto unopenya, sokunge akazara nomoto, uye kubva ipapo zvichienda pasi, aitaridzika somoto; uye chiedza chaipenya kwazvo chakanga chakamukomberedza.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 1