Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 1:13-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Kuonekwa kwezvisikwa zvipenyu izvi kwakanga kwakaita samazimbe omoto anopfuta, kana somwenje. Moto waienda mberi uchidzoka pakati pezvisikwa; wakanga uchipenya, uye mheni yaipenya mauri.

14. Zvisikwa zvaimhanya zvichienda mberi zvichidzoka semheni inopenya.

15. Ndakati ndichitarira kuzvisikwa zvipenyu, ndakaona vhiri riri pasi porutivi rwechisikwa chimwe nechimwe nezviso zvacho zvina.

16. Uku ndiko kwaiva kuratidzika namagadzirirwo amavhiri acho: Akanga achivaima sebwe rekristaro, uye zvose zviri zvina zvakanga zvakafanana pakuonekwa kwazvo. Pakuonekwa kwawo napamagadzirirwo awo akanga akaita sevhiri rimwe riri mukati merimwe vhiri.

17. Pakufamba kwazvo, zvaigona kuenda neimwe yenzira ina dzakanga dzakatariswa nezvisikwa zvina; mavhiri akanga asingatsauki zvisikwa pazvaifamba.

18. Marimu acho akanga akakwirira uye aishamisa, uye marimu ose ari mana akanga azere nameso kwose kwose.

19. Zvisikwa zvipenyu zvaiti kana zvofamba, mavhiri aiva parutivi ofambawo; uye kana zvisikwa zvipenyu zvikasimuka kubva pasi, mavhiri aisimukawo.

20. Kwose kwaienda mweya, zvaiendawo, uye mavhiri aisimuka pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri.

21. Zvisikwa pazvaifamba, iwo aifambawo; paimira zvisikwa, naiwo aimirawo; uye paingosimuka zvisikwa kubva pasi, mavhiri aisimukawo pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri.

22. Kumusoro kwemisoro yezvisikwa zvipenyu kwakanga kwakawaridzwa chinhu chakaita sedenga, chaivaima sechando uye chaishamisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 1