Testamende Yekare

Testamende Itsva

Esteri 9:27-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. vaJudha vakasarudza kusimbisa tsika yokuti ivo navana vavo navose vaizobatana navo vaifanira kucherechedza mazuva maviri aya gore negore vasingatongoregi, sezvazvakanga zvakanyorwa uye nenguva dzakatarwa.

28. Mazuva aya anofanira kurangarirwa nokucherechedzwa murudzi rumwe norumwe uye nemhuri imwe neimwe, uye nomunyika imwe neimwe nomuguta rimwe nerimwe. Uye mazuva aya ePurimu haafaniri kutongoregwa kupembererwa navaJudha, uye kurangarirwa kwawo hakufaniri kuparara pakati pavana vavo.

29. Saka vaHosi Esteri, mwanasikana waAbhihairi, pamwe chete naModhekai muJudha, vakanyora nesimba rizere vachisimbisa tsamba iyi yechipiri maererano nePurimu.

30. Uye Modhekai akatumira tsamba kuvaJudha vose vaiva munyika zana namakumi maviri nenomwe dzoumambo hwaZekisesi, mashoko orugare nezvokwadi,

31. kuti asimbise mazuva aya ePurimu panguva dzaakatsaurirwa, sokurayirwa kwazvakaitwa naModhekai muJudha navaHosi Esteri, uye sezvavakanga vazvimisira ivo navana vavo munguva dzavo dzokutsanya nokuchema.

32. Chirevo chaEsteri chakasimbisa mitemo yePurimu, uye chakanyorwa mubhuku.

Verenga chitsauko zvakakwana Esteri 9