Testamende Yekare

Testamende Itsva

Esteri 9:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino mumwedzi wegumi nemiviri nezuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, chirevo chakanga charayirwa namambo chaifanira kuzadziswa. Pazuva iri, vavengi vavaJudha vakanga vatarisira kuvakunda, asi zvino zvinhu zvakavapindukira, vaJudha vakava noruoko rune simba pamusoro paavo vaivavenga.

2. VaJudha vakaungana mumaguta avo munyika dzose dzaMambo Zekisesi kuti varwise avo vaitsvaka kuparadzwa kwavo.

3. Uye makurukota ose enyika, navakuru vehondo, vabati namachinda amambo vakabatsira vaJudha, nokuti vakanga vava kutya Modhekai.

4. Modhekai akanga ari mukuru mukuru mumuzinda; mbiri yake yakapararira munyika yose, uye akava nesimba rakaramba richikura.

5. VaJudha vakabaya vavengi vavo vose nomunondo, vakavauraya vakavaparadza, uye vakaita zvavaida kune avo vaivavenga.

6. VaJudha vakauraya uye vakaparadza varume vanokwana mazana mashanu munhare yeShushani.

7. Vakaurayawo Parishandota, Dharifona, Asipata,

8. Porata, Adharia, Aridhata,

9. Pamashita, Arisai, Aridhai naVhaizata,

10. vanakomana gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha. Asi havana kubata zvakapambwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Esteri 9