Testamende Yekare

Testamende Itsva

Esteri 8:7-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ipapo Mambo Zekisesi akapindura vaHosii Esteri naModhekai muJudha achiti, “Nokuti Hamani akarwisa vaJudha, ndapa imba yake kuna Esteri, uye ivo vamuturika padanda.

8. Zvino chinyorai chimwe chirevo muzita ramambo sezvamunoona zvakakunakirai mugochisimbisa nemhete yamambo, nokuti hakuna gwaro rakanyorwa muzita ramambo rikasimbiswa nemhete yake ringashandurwa.”

9. Pakarepo vanyori vamambo vakadaidzwa, pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechitatu, mumwedzi waSivhana. Vakapa zvose zvakarayirwa naModhekai kuvaJudha, nokuvakuru vehondo, navabati uye namakurukota enyika dzaiva zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia. Zvakarayirwa izvi zvakanyorwa namanyorerwo enyika imwe neimwe nomutauro wenyika imwe neimwe.

10. Modhekai akanyora muzita raMambo Zekisesi, uye akasimbisa tsamba dzacho nemhete yamambo, uye akadzitumira navatakuri vetsamba vainge vakatasva mabhiza aimhanya kwazvo akanga akapfuwirwa mambo.

11. Chirevo chamambo chakapa vaJudha vaiva muguta rimwe nerimwe mvumo yokuungana nokuzvidzivirira; kuuraya nokuparadza zvachose varwi vapi zvavo vakapakata zvombo, vorudzi rupi norupi, kana nyika ipi yaigona kuzovarwisa ivo navakadzi vavo navana vavo; uye kupamba midziyo yavavengi vavo.

12. Zuva regumi namatatu romwedzi waAdhari ndiro zuva rakanga rakatsaurirwa vaJudha kuti vaite izvi munyika yose yaMambo Zekisesi.

13. Chinyorwa chechirevo ichi chaifanira kupiwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe nokuziviswa kuvanhu vamarudzi ose kuitira kuti pazuva iroro vaJudha vange vakagadzirira kutsiva vavengi vavo.

14. Vatakuri vetsamba vakatasva mabhiza ashe vakaamhanyisa kwazvo, vachisundwa nokurayira kwamambo. Uye chirevo chakaziviswawo munhare yeShushani.

15. Modhekai akabva pamberi pamambo akapfeka nhumbi dzoumambo dzaiva namavara ebhuruu namachena, korona huru yegoridhe nenguo yepepuru yomucheka wakaisvonaka. Guta reShushani rakaita mhemberero nomufaro mukuru.

Verenga chitsauko zvakakwana Esteri 8