Testamende Yekare

Testamende Itsva

Esteri 8:12-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Zuva regumi namatatu romwedzi waAdhari ndiro zuva rakanga rakatsaurirwa vaJudha kuti vaite izvi munyika yose yaMambo Zekisesi.

13. Chinyorwa chechirevo ichi chaifanira kupiwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe nokuziviswa kuvanhu vamarudzi ose kuitira kuti pazuva iroro vaJudha vange vakagadzirira kutsiva vavengi vavo.

14. Vatakuri vetsamba vakatasva mabhiza ashe vakaamhanyisa kwazvo, vachisundwa nokurayira kwamambo. Uye chirevo chakaziviswawo munhare yeShushani.

15. Modhekai akabva pamberi pamambo akapfeka nhumbi dzoumambo dzaiva namavara ebhuruu namachena, korona huru yegoridhe nenguo yepepuru yomucheka wakaisvonaka. Guta reShushani rakaita mhemberero nomufaro mukuru.

16. KuvaJudha kwaiva nechiedza, nomufaro nokufarisisa nokukudzwa.

17. Munyika imwe neimwe, uye mumaguta ose, makasvika chirevo chamambo, maiva nomufaro nokufarisisa pakati pavaJudha, vachiita mabiko nokupembera. Uye vanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakava vaJudha nokuda kwokutya kwakanga kwavabata.

Verenga chitsauko zvakakwana Esteri 8