Saka Hamani akatora nguo nebhiza, akapfekedza Modhekai, uye akamutungamirira ari pamusoro pebhiza napakati pemigwagwa yeguta, achidanidzira pamberi pake achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa namambo kumunhu waanofarira kukudza!”