Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 9:25-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Munyika yose yeIjipiti, chimvuramabwe chakarova zvinhu zvose zvakanga zviri musango, zvose vanhu nezvipfuwo; chakarovera pasi zvose zvaimera musango ndokuparadza miti yose.

26. Nzvimbo yachisina kunaya chete inyika yeGosheni, uko kwaiva navaIsraeri.

27. Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni uye akati, “Nguva ino ndatadza. Jehovha ndiye akarurama asi ini navanhu vangu hatina kururama.

28. Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti mutinhiro nechimvuramabwe zvanyanya. Ndichakutenderai kuti muende; hamuchafaniri kuramba mugerezve pano.”

29. Mozisi akapindura akati, “Pandichabuda muguta, ndichatambanudza maoko angu ndichinyengetera kuna Jehovha. Mutinhiro uchapera uye hakuchazovizve nechimvuramabwe, kuti ugoziva kuti nyika ndeyaJehovha.

30. Asi ndinoziva kuti iwe namachinda ako hamutyi Jehovha Mwari nazvino.”

31. (Miti yeshinda nebhari zvakanga zvaparadzwa, sezvo bhari rakanga rava nehura uye miti yava namaruva.

32. Kunyange zvakadaro gorosi nesipereketi, hazvina kuparadzwa, nokuti zvakanga zvisati zvaibva.)

33. Ipapo Mozisi akabva pana Faro akabuda muguta. Akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha; mutinhiro nechimvuramabwe zvakamira, uye mvura haina kuzonayazve panyika.

34. Faro akati aona kuti mvura nechimvuramabwe uye nomutinhiro zvapera, akatadzazve: Iye namachinda ake vakaomesa mwoyo yavo.

35. Saka mwoyo waFaro wakaoma uye akasada kutendera vaIsraeri kuenda, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha kubudikidza naMozisi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 9