Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 9:19-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Chirayira izvozvi kuti zvipfuwo zvako nezvose zviri musango zvipinde mumatanga, nokuti chimvuramabwe chichawira pamusoro pomunhu wose napamusoro pezvipfuwo zvisina kupfigirwa uye zvichiri musango, uye zvichafa.’ ”

20. Machinda aFaro ayo akanga achitya shoko raJehovha akakurumidza kupinza vatapwa vavo nezvipfuwo zvavo mukati.

21. Asi vaya vakazvidza shoko raJehovha vakarega vatapwa vavo nezvipfuwo zviri musango.

22. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.”

23. Mozisi akati atambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma mutinhimiro nechimvuramabwe, uye mheni ikapenya pasi. Saka Jehovha akanayisa chimvuramabwe pamusoro penyika yeIjipiti;

24. chimvuramabwe chakawa uye mheni yakapenya mberi neshure. Ndiro rakava dutu rakaipisisa kwazvo munyika yose yeIjipiti, kubva panguva yavakatanga kuva rudzi.

25. Munyika yose yeIjipiti, chimvuramabwe chakarova zvinhu zvose zvakanga zviri musango, zvose vanhu nezvipfuwo; chakarovera pasi zvose zvaimera musango ndokuparadza miti yose.

26. Nzvimbo yachisina kunaya chete inyika yeGosheni, uko kwaiva navaIsraeri.

27. Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni uye akati, “Nguva ino ndatadza. Jehovha ndiye akarurama asi ini navanhu vangu hatina kururama.

28. Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti mutinhiro nechimvuramabwe zvanyanya. Ndichakutenderai kuti muende; hamuchafaniri kuramba mugerezve pano.”

29. Mozisi akapindura akati, “Pandichabuda muguta, ndichatambanudza maoko angu ndichinyengetera kuna Jehovha. Mutinhiro uchapera uye hakuchazovizve nechimvuramabwe, kuti ugoziva kuti nyika ndeyaJehovha.

30. Asi ndinoziva kuti iwe namachinda ako hamutyi Jehovha Mwari nazvino.”

31. (Miti yeshinda nebhari zvakanga zvaparadzwa, sezvo bhari rakanga rava nehura uye miti yava namaruva.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 9