Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 9:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Naizvozvo, nenguva ino mangwana ndichatuma chimvuramabwe chakaipisisa kwazvo chisina kumbovapo pamusoro peIjipiti, kubva pazuva rayakavambwa kusvikira zvino.

19. Chirayira izvozvi kuti zvipfuwo zvako nezvose zviri musango zvipinde mumatanga, nokuti chimvuramabwe chichawira pamusoro pomunhu wose napamusoro pezvipfuwo zvisina kupfigirwa uye zvichiri musango, uye zvichafa.’ ”

20. Machinda aFaro ayo akanga achitya shoko raJehovha akakurumidza kupinza vatapwa vavo nezvipfuwo zvavo mukati.

21. Asi vaya vakazvidza shoko raJehovha vakarega vatapwa vavo nezvipfuwo zviri musango.

22. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.”

23. Mozisi akati atambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma mutinhimiro nechimvuramabwe, uye mheni ikapenya pasi. Saka Jehovha akanayisa chimvuramabwe pamusoro penyika yeIjipiti;

24. chimvuramabwe chakawa uye mheni yakapenya mberi neshure. Ndiro rakava dutu rakaipisisa kwazvo munyika yose yeIjipiti, kubva panguva yavakatanga kuva rudzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 9