Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 7:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi. “Tarira, ndakuita saMwari kuna Faro, uye mukoma wako Aroni achava muprofita wako.

2. Unofanira kutaura zvinhu zvose zvandinokurayira, uye mukoma wako Aroni anofanira kuudza Faro kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.

3. Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti,

4. haazombokuteereri. Ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye namabasa okutonga kukuru ndichabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu vaIsraeri.

5. Uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye ndichabudisa vaIsraeri kubva mairi.”

6. Mozisi naAroni vakaita sezvavakanga varayirwa naJehovha.

7. Mozisi akanga ana makore makumi masere uye Aroni makumi masere namatatu pavakataura kuna Faro.

8. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 7