Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 40:4-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Upinze tafura ugoisa zvinhu zvayo pairi. Ipapo ugopinza chigadziko chomwenje ugomisa mwenje yacho.

5. Uise aritari yezvinonhuwira yegoridhe pamberi peareka yechipupuriro uye ugoisa chidzitiro pamukova wokupinda mutabhenakeri.

6. “Uise aritari yezvipiriso zvinopiswa pamberi pomukova wokupinda kutabhenakeri, Tende Rokusangana;

7. uise dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari ugoisa mvura mariri.

8. Ugadzire ruvazhe rwakaipoteredza uye ugoisa chidzitiro pamukova woruvazhe.

9. “Utore mafuta okuzodza ugozodza tabhenakeri nezvinhu zvose zvirimo; uinatse nenhumbi dzayo dzose, uye ichava tsvene.

10. Ipapo ugozodza aritari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose; unatse aritari, uye ichava tsvene-tsvene.

11. Uzodze dhishi nechigadziko charo ugozvinatsa.

12. “Uuye naAroni navanakomana vake kumukova weTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.

13. Ipapo ugopfekedza Aroni nguo tsvene, umuzodze uye ugomunatsa kuti agondishumira somuprista.

14. Uuyise vanakomana vake ugovapfekedza majasi.

15. Uvazodze sokuzodza kwawaita baba vavo, kuti vagondishumira savaprista. Kuzodzwa kwavo kuchava kwouprista hucharamba huripo kumarudzi anotevera.”

16. Mozisi akaita zvose sezvaakarayirwa naJehovha.

17. Saka tabhenakeri yakamiswa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga mugore rechipiri.

18. Mozisi akati amisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko panzvimbo yazvo, akadzika mapuranga, akapinza mbariro uye akamisa matanda.

19. Ipapo akatambanudza tende akariisa pamusoro petabhenakeri ndokuisa chifukidzo pamusoro petende, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

20. Akatora Chipupuriro akachiisa muareka, akabatanidza mapango paareka uye akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro payo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 40