Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 37:24-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Vakaita chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose kubva patarenda rimwe chetei regoridhe rakaisvonaka.

25. Vakaita aritari yezvinonhuwira namatanda omuakasia. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chetej uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye makubhiti mavirik pakukwirira kwayo, nyanga dzayo dziri chinhu chimwe chete nayo.

26. Vakafukidza pamusoro payo nokumativi ose uye nenyanga, negoridhe rakaisvonaka, uye vakagadzira hata yakaipoteredza.

27. Vakaita mhete dzegoridhe mbiri pasi pehata, mbiri kuno rumwe rutivi, kuti dzibate mapango aishandiswa pakuitakura.

28. Vakagadzira mapango omuti womuakasia uye vakafukidza negoridhe.

29. Vakagadzirawo mafuta matsvene okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo zvakaisvonaka, basa romuvhenganisi wezvinonhuwira.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 37