Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 37:13-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Vakaumba mhete ina dzegoridhe dzetafura uye vakadzisungirira pamakona mana, paya pakanga pana makumbo.

14. Mhete dzakaiswa pedyo nomukombero kuti dzibate mapango aishandiswa pakutakura tafura.

15. Mapango okutakura tafura akagadzirwa namatanda omuakasia uye akanga akafukidzwa negoridhe.

16. Uye vakaita nhumbi dzetafura negoridhe rakaisvonaka, ndiro dzayo, madhishi nemikombe uye nezvirongo zvayo zvokudururira zvipiriso zvinonwiwa.

17. Vakagadzira chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye vakaipambadzira, chigadziko nehunde; mikombe inenge maruva, mabukira namaruva zvaiva chinhu chimwe chete nacho.

18. Mapazi matanhatu akaiswa kubva kumativi echigadziko chomwenje, matatu kurutivi rumwe chete uye mamwe matatu kuno rumwe rutivi.

19. Mikombe mitatu yakanga yakaumbwa seruva remuarimondi namabukira namaruva makuru zvakange zviri pane rimwe davi, matatu padavi raitevera uye zvaita saizvozvo pamatavi ose ari matanhatu aibva pachigadziko chomwenje.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 37