Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 36:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Saka Bhezareri, Ohoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi apiwa unyanzvi naJehovha uye kugona kuziva maitirwo ebasa rokuvaka imba tsvene ngavaite basa sezvakarayirwa naJehovha.”

2. Ipapo Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu uye munhu wose wounyanzvi uyo akapiwa kugona naJehovha uye akanga achida hake kuuya kuzoshanda basa.

3. Vakagamuchira kubva kuna Mozisi zvipo zvose zvakanga zvauya navaIsraeri kuti zvishandiswe pabasa rokuvaka imba tsvene. Uye vanhu vakaramba vachiuyisa zvipo zvokungopa mangwanani oga oga.

4. Saka varume vose voumhizha vakanga vachiita basa rose rapaimba tsvene vakasiya basa ravo

5. uye vakati kuna Mozisi, “Vanhu vari kuuya nezvakawandisa zvokuitisa basa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.”

6. Ipapo Mozisi akarayira uye vakatuma shoko iri pakati pomusasa wose vachiti, “Ngakurege kuva nomurume kana mukadzi achaitazve chimwe chinhu sechipo chenzvimbo tsvene.” Nokudaro vanhu vakadziviswa kuuyisa zvimwe,

7. nokuti zvavakanga vatova nazvo zvakanga zvatowandisa pane zvaidiwa kuita basa rose.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 36