Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 33:9-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaiburuka yobva yamira pamukova, Jehovha achitaura naMozisi.

10. Vanhu vaiti vangoona shongwe yegore pamukova wokupinda mutende, vose vaimira uye vobva vanamata, mumwe nomumwe pamukova wetende rake.

11. Jehovha aizotaura naMozisi uso nouso, somunhu anotaura neshamwari yake. Ipapo Mozisi aizodzokera kumusasa, asi mubatsiri wake Joshua mwanakomana waNuni akanga asingabudi mutende.

12. Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchinditaurira muchiti, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’

13. Kana muchifadzwa neni, ndidzidzisei nzira dzenyu kuitira kuti ndigokuzivai uye ndirambe ndichiwana nyasha kwamuri. Rangarirai kuti rudzi urwu vanhu venyu.”

14. Jehovha akapindura akati, “Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo.”

15. Ipapo Mozisi akati kwaari, “Kana Kuvapo kwenyu kusingaendi nesu, musatibvisa pano.

16. Vanhu vachaziva sei kuti munofadzwa neni uye navanhu venyu kana musina kuenda nesu? Chiizve chicharatidza mutsauko pakati pangu navanhu venyu navamwe vanhu vose vari pamusoro penyika?”

17. Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichaita chinhu ichocho chawakumbira, nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 33