Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 33:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Saka vaIsraeri vakabvisa zvishongo zvavo pagomo reHorebhu.

7. Zvino Mozisi aisitora tende achiridzika kunze kwomusasa kachinhambwe, achiti ndiro “Tende Rokusangana.” Munhu upi zvake ainge ane chaanoda kubvunza kuna Jehovha aienda kuTende Rokusangana kunze kwomusasa.

8. Uye pose paibuda Mozisi achienda kutende, vanhu vose vaisimuka vachibva vomira pamikova yamatende avo, vakatarira Mozisi kusvikira apinda mutende.

9. Kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaiburuka yobva yamira pamukova, Jehovha achitaura naMozisi.

10. Vanhu vaiti vangoona shongwe yegore pamukova wokupinda mutende, vose vaimira uye vobva vanamata, mumwe nomumwe pamukova wetende rake.

11. Jehovha aizotaura naMozisi uso nouso, somunhu anotaura neshamwari yake. Ipapo Mozisi aizodzokera kumusasa, asi mubatsiri wake Joshua mwanakomana waNuni akanga asingabudi mutende.

12. Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchinditaurira muchiti, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’

13. Kana muchifadzwa neni, ndidzidzisei nzira dzenyu kuitira kuti ndigokuzivai uye ndirambe ndichiwana nyasha kwamuri. Rangarirai kuti rudzi urwu vanhu venyu.”

14. Jehovha akapindura akati, “Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo.”

15. Ipapo Mozisi akati kwaari, “Kana Kuvapo kwenyu kusingaendi nesu, musatibvisa pano.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 33