Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 32:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Saka zuva rakatevera vanhu vakamuka mangwanani vakabayira zvipiriso zvinopiswa uye vakapa zvipiriso zvokuwadzana. Shure kwaizvozvo vakagara pasi vakadya nokunwa uye vakasimuka kuti vatambe.

7. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa muIjipiti, vaora.

8. Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’ ”

9. Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndaona vanhu ava, uye vanhu vane mitsipa mikukutu.

10. Zvino ndirege hangu kuti kutsamwa kwangu kupfute pamusoro pavo uye kuti ndivaparadze. Ipapo iwe ndichakuita rudzi rukuru.”

11. Asi Mozisi akatsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wake, akati, “Haiwa Jehovha, kutsamwa kwenyu kungapfuta seiko pamusoro pavanhu venyu, vamakabudisa kubva muIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba?

12. VaIjipita vachataurireiko vachiti, ‘Akavabudisa muIjipiti nomurangariro wakaipa, kuti avauraye mumakomo uye nokuvaparadza panyika.’ Dzokai henyu pakutsamwa kwenyu kunotyisa; dzokai uye murege kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu venyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 32