Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 29:32-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Aroni navanakomana vake vanofanira kudya nyama yegondohwe uye nechingwa chiri mudengu vari pamukova wokupinda paTende Rokusangana.

33. Vanofanira kudya zvipiriso izvi zvavakaitirwa yananiso yokugadzwa kwavo uye nokunatswa kwavo nazvo. Asi hakuna mumwe munhu anofanira kuzvidya nokuti zvitsvene.

34. Uye kana pakava nenyama yegondohwe rokungadzwa inosara kana chingwa chipi zvacho chinosara kusvikira mangwana mangwanani muzvipise. Hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.

35. “Uitire Aroni navanakomana vake zvinhu zvose zvandakakurayira, uchitora mazuva manomwe okuvagadza.

36. Ubayire hando zuva rimwe nerimwe sechipiriso chechivi chive chokuyananisa. Unatse aritari nokuiitira yananiso, uye ugoizodza kuti uiite tsvene.

37. Mazuva manomwe uyananisire aritari uye uinatse. Ipapo aritari ichava tsvene-tsvene, uye chose chichaigunzva chichava chitsvene.

38. “Izvi ndizvo zvaunofanira kupa paaritari nguva dzose zuva rimwe nerimwe: makwayana maviri egore rimwe chete.

39. Ubayire rimwe chete mangwanani uye rimwe chete madekwana.

40. Negwayana rokutanga ubayire nechegumi cheefaa choupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvina chehinib chamafuta akabva mumaorivhi akasvinwa, uye chikamu chimwe chete kubva muzvina chehini yewaini chive chipiriso chinonwiwa.

41. Ubayire rimwe gwayana madekwana pamwe chete nechipiriso chimwe chetecho chezviyo nechipiriso chacho chinonwiwa sechamangwanani, chive chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.

42. “Chipiriso chinopiswa ichi chinofanira kuitwa nguva dzose pamukova weTende Rokusangana pamberi paJehovha kumarudzi ose.

43. Ipapo ndipo pandichasangana newe uye ndigotaura kwauri, ndipozve pandichasangana navaIsraeri, uye nzvimbo iyi ichatsaurwa nokubwinya kwangu.

44. “Saka ndichatsaura Tende Rokusangana nearitari uye ndichatsaura Aroni navanakomana vake kuti vandishumire savaprista.

45. Ipapo ndichagara pakati pavaIsraeri uye ndigova Mwari wavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 29