Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 29:2-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Uye ubike chingwa noupfu hwakatsetseka hwegorosi, husina mbiriso, uye ubike makeke akavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta.

3. Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwe chete nehando uye makondohwe maviri.

4. Ipapo ugouya naAroni navanakomana vake kumukova nokupinda navo kuTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.

5. Tora hanzu ugopfekedza Aroni jasi, nguo yeefodhi neefodhi pachayo uye nechidzitiro chapachipfuva. Usungire efodhi paari nebhanire romuchiuno rakarukwa nounyanzvi.

6. Uise nguwani pamusoro wake uye ugoibatanidza nekorona tsvene.

7. Utore mafuta okuzodza ugomuzodza uchiita zvokuadira pamusoro pake.

8. Uye vanakomana vake ugovapfekedza majasi

9. uye ugoisa mabhanire omumusoro pamusoro pavo. Ipapo ugosungira ndaza pana Aroni navanakomana vake. Uprista ndohwavo nomutemo usingaperi. Nenzira iyi uchagadza Aroni navanakomana vake.

10. “Uuye nehando pamberi peTende Rokusangana, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro payo.

11. Uiuraye pamberi pomukova wokupinda kuTende Rokusangana.

12. Utore rimwe reropa rehando ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, uye ugodira rasara racho pahwaro hwearitari.

13. Ipapo ugotora mafuta ose akapoteredza zvomukati, zvinoti chiropa, neitsvo dziri mbiri namafuta ari pamusoro padzo, ugoapisa pamusoro pearitari.

14. Asi upise nyama yehando nedehwe rayo namazvizvi ayo kunze kwomusasa. Ndicho chipiriso chechivi.

15. “Utore rimwe regondohwe, uye Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro paro.

16. Uriuraye ugotora ropa raro urisase pamativi ose earitari.

17. Ucheke gondohwe kuita muzvidimbu zvidimbu uye ugosuka zvomukati, uye makumbo, uchiaisa pamwe chete nomusoro nezvimwe zvidimbu.

18. Ipapo ugopisa gondohwe rose paaritari. Ndicho chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

19. “Utore rimwe gondohwe, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro waro.

20. Uriuraye, utore rimwe ropa raro ugoriisa pamucheto wenzeve dzorudyi dzavanakomana vaAroni, napazvigunwe zvikuru zvamaoko avo orudyi, nokuzvigunwe zvikuru zvokutsoka dzavo dzorudyi. Ipapo ugosasa ropa pamativi ose earitari.

21. Uye ugotora rimwe ropa riri paaritari namamwe mafuta okuzodza usase pana Aroni napanguo dzake uye napavanakomana vake napanguo dzavo. Ipapo iye navanakomana vake nenguo dzavo vachanatswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 29