Idzi ndidzo nguo dzavanofanira kuita: chidzitiro chapa chipfuva, efodhi, jasi, nenguo yakarukwa, nengowani uye ndaza. Vanofanira kuitira mukoma wako Aroni navanakomana vake, nguo tsvene idzi.