Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 26:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wejira zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nejira rokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa.

5. Uite zvishwe makumi mashanu pajira rimwe chete uye makumi mashanu ezvishwe pamucheto wejira rezvimwe zvakabatanidzwa, zvishwe zvitarisane chimwe nechimwe.

6. Ipapo ugoita zvikoreko zvegoridhe makumi mashanu uye uzvishandise kubatanidza machira pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe.

7. “Uite machira amakushe embudzi etende riri pamusoro petabhenakeri, ose ave gumi nerimwe pamwe chete.

8. Machira ose ari gumi nerimwe anofanira kuenzana, makubhiti makumi matatuc pakureba uye makubhiti manad paupamhi.

9. Ubatanidze machira mashanu pamwe chete aite chinhu chimwe chete uye mamwe matanhatu avewo chinhu chimwe chete. Upete jira rechitanhatu kaviri pamberi petende.

10. Uite zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokumucheto zvakabatanidzwa uyewo pamupendero wejira rokumucheto kwamamwe akabatanidzwa.

11. Ipapo ugoita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu ugozviisa muzvishwe kuti zvibatanidze tende pamwe chete chigova chinhu chimwe chete.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 26