Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 26:25-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Saka pachava namapuranga masere uye zvigadziko zvesirivha gumi nezvitanhatu, zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.

26. “Uyewo uite mbariro dzamatanda omuakasia: shanu dzamapuranga okuno rumwe rutivi rwetabhenakeri,

27. shanu dzaaya ari pano rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga okumavirira, kumucheto cheto kwetabhenakeri.

28. Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga.

29. Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe.

30. “Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.

31. “Uite jira rebhuruu, nerepepuru nedzvuku nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, namakerubhi akasonerwapo nemhizha yokusona.

32. Urirembedze nezvikorekedzo zvegoridhe pamatanda mana omuakasia akafukidzwa negoridhe uye amire pamusoro pezvigadziko zvina zvesirivha.

33. Urembedze jira pazvikorekedzo uye ugoisa areka yeChipupuriro shure kwechidzitiro. Chidzitiro ichi chichaparadzanisa NZVIMBO TSVENE neNZVIMBO TSVENE-TSVENE.

34. Uise chifukidziro chokuyananisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri muNZVIMBO TSVENE-TSVENE.

35. Uise tafura kunze kwechidzitiro nechokumusoro kwetabhenakeri ugogadzika chigadziko chomwenje chakatarisana nayo nechezasi.

36. “Pamukova wokupinda mutende uite chidzitiro chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romusoni anogona.

37. Uite zvikorekedzo zvegoridhe zvechidzitiro ichi uye matanda mashanu omuakasia akafukidzwa negoridhe. Uye uaumbire zvigadziko zvishanu zvendarira.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 26