Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 26:16-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Puranga rimwe nerimwe rinofanira kureba makubhiti gumif uye kubhiti nehafug paupamhi,

17. nembamba mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Uite mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyoyi.

18. Uite mapuranga makumi maviri okurutivi rwezasi rwetabhenakeri

19. uye uite zvigadzika zvesirivha makumi mana kuti zvive pasi pawo, zvigadziko zviviri papuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe.

20. Kuno rumwe rutivi, rwokumusoro kwetabhenakeri, uite mapuranga makumi maviri,

21. uye zvigadziko zvesirivha makumi mana. Zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.

22. Uite mapuranga matanhatu kurutivi rwokumucheto cheto, ndiko kumavirira etabhenakeri,

23. uye uite mapuranga maviri amakona okumucheto cheto.

24. Pamakona maviri aya, anofanira kuva maviri maviri kubva pasi kusvikira kumusoro, uye agadzikwe mumhete imwe chete; ose ari maviri ngaava saizvozvo.

25. Saka pachava namapuranga masere uye zvigadziko zvesirivha gumi nezvitanhatu, zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.

26. “Uyewo uite mbariro dzamatanda omuakasia: shanu dzamapuranga okuno rumwe rutivi rwetabhenakeri,

27. shanu dzaaya ari pano rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga okumavirira, kumucheto cheto kwetabhenakeri.

28. Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga.

29. Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe.

30. “Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.

31. “Uite jira rebhuruu, nerepepuru nedzvuku nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, namakerubhi akasonerwapo nemhizha yokusona.

32. Urirembedze nezvikorekedzo zvegoridhe pamatanda mana omuakasia akafukidzwa negoridhe uye amire pamusoro pezvigadziko zvina zvesirivha.

33. Urembedze jira pazvikorekedzo uye ugoisa areka yeChipupuriro shure kwechidzitiro. Chidzitiro ichi chichaparadzanisa NZVIMBO TSVENE neNZVIMBO TSVENE-TSVENE.

34. Uise chifukidziro chokuyananisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri muNZVIMBO TSVENE-TSVENE.

35. Uise tafura kunze kwechidzitiro nechokumusoro kwetabhenakeri ugogadzika chigadziko chomwenje chakatarisana nayo nechezasi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 26