Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 26:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Kana zviri zvokuwedzera urefu hwamachira etende, hafu yejira inenge yasara inofanira kurembera necheshure kwetabhenakeri.

13. Machira etende anofanira kurebesa nekubhiti rimwe chetee pamativi ose ari maviri; anenge asara anofanira kurembera pamativi etabhenakeri kuti agoifukidza.

14. Uite chifukidzo chetende chamatehwe amakondohwe akapendwa nezvitsvuku, uye pamusoro paizvozvo chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa.

15. “Uitire tabhenakeri mapuranga akati twi amatanda omuakasia.

16. Puranga rimwe nerimwe rinofanira kureba makubhiti gumif uye kubhiti nehafug paupamhi,

17. nembamba mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Uite mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyoyi.

18. Uite mapuranga makumi maviri okurutivi rwezasi rwetabhenakeri

19. uye uite zvigadzika zvesirivha makumi mana kuti zvive pasi pawo, zvigadziko zviviri papuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe.

20. Kuno rumwe rutivi, rwokumusoro kwetabhenakeri, uite mapuranga makumi maviri,

21. uye zvigadziko zvesirivha makumi mana. Zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.

22. Uite mapuranga matanhatu kurutivi rwokumucheto cheto, ndiko kumavirira etabhenakeri,

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 26