Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 26:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Uite tabhenakeri namachira gumi omucheka wakarukwa wakaisvonaka, nowebhuruu, pepuru nomutsvuku, namakerubhi akasonerwa mairi nemhizha dzamabasa amaoko.

2. Machira ose anofanira kuva akaenzana, akareba makubhiti makumi maviri namaserea uye makubiti manab paupamhi.

3. Ubatanidze machira mashanu pamwe chete, ugoita zvimwe chetezvo namamwe mashanu.

4. Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wejira zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nejira rokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa.

5. Uite zvishwe makumi mashanu pajira rimwe chete uye makumi mashanu ezvishwe pamucheto wejira rezvimwe zvakabatanidzwa, zvishwe zvitarisane chimwe nechimwe.

6. Ipapo ugoita zvikoreko zvegoridhe makumi mashanu uye uzvishandise kubatanidza machira pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe.

7. “Uite machira amakushe embudzi etende riri pamusoro petabhenakeri, ose ave gumi nerimwe pamwe chete.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 26