Ipapo Mozisi akanyora zvinhu zvose zvakanga zvarehwa naJehovha. Akamuka mangwana acho mangwanani akavaka aritari mujinga megomo uye akamisa mbiru dzamabwe gumi nembiri dzichimirira marudzi gumi namaviri avaIsraeri.