Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 23:24-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Musapfugamira vamwari vavo kana kuvanamata kana kuwadzana namabasa avo. Munofanira kuvaparadza uye mugoputsa matombo avo anoyera.

25. Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu,

26. uye hakuna achabva pamuviri kana asingabereki munyika yenyu. Ndichakupai upenyu huzere.

27. “Ndichatuma kuvhundutsa kwangu pamberi penyu uye ndichauyisa nyonganiso pamusoro pendudzi dzose dzamunosangana nadzo. Ndichaita kuti vavengi venyu vose vatendeuke. Vagotiza.

28. Ndichatuma mago pamberi penyu kuti adzinge vaHivhi, vaKenani navaHiti kuti vabve munzira yenyu.

29. Asi handizovadzingi mugore rimwe chete, nokuti nyika ingazoita sango uye mhuka dzesango dzikakuwandirai.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 23