Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 22:23-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Kana mukaita izvozvo uye ivo vakachema kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kuchema kwavo.

24. Kutsamwa kwangu kuchamuka, uye ndichakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi uye vana venyu vachava nherera.

25. “Kana mukakweretesa mari kuno mumwe wavanhu vangu vari pakati penyu vanoshaya, musaita somunhu webasa rokukweretesa; musamuripisa yava nemhindu.

26. Kana ukatora jasi romuvakidzani wako sechitsidzo, uridzorere kwaari zuva rodoka,

27. nokuti jasi rake ndicho chifukidzo bedzi chaanacho chomuviri wake. Achavata akafukeiko. Paanochema kwandiri, ini ndichanzwa, nokuti ndine tsitsi.

28. “Usamhura Mwari kana kutuka mutongi wavanhu vako.

29. “Usarega kupa zvipiriso zvinobva mumatura ako kana muzvisviniro zvako.“Unofanira kundipa dangwe ravanakomana vako.

30. Muite zvimwe chetezvo kumombe dzenyu nokumakwai enyu. Murege zvigare mazuva manomwe navanamai vazvo, asi muzvipe kwandiri pazuva rorusere.

31. “Munofanira kuva vanhu vangu vatsvene. Saka musadya nyama yechipfuwo chakabvamburwa nezvikara zvesango, muikandire kumbwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 22