Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 22:14-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. “Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye icho chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, iye anofanira kuripa.

15. Asi kana muridzi ane chipfuwo chacho, akwereta haafaniri kuzoripa. Kana chipfuwo ichi changa chichiripirwa mari yokuchishandisa, mari yakaripwa yacho ndiyo inozozadzisa kurasikirwa kwake.

16. “Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake.

17. Kana baba vake vasingadi zvachose kuti vamupe kwaari, anofanira bedzi kubvisa roora rinobvisirwa mhandara.

18. “Usatendera muroyikadzi kuti ararame.

19. “Ani naani anoita chipfuwo mukadzi anofanira kuurayiwa.

20. “Ani naani anobayira kuna mwari upi zvake kunze kwangu anofanira kuparadzwa.

21. “Usabata mutorwa zvakaipa kana kumudzvinyirira, nokuti imi makanga muri vatorwa muIjipiti.

22. “Musaitira zvakaipa chirikadzi nenherera.

23. Kana mukaita izvozvo uye ivo vakachema kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kuchema kwavo.

24. Kutsamwa kwangu kuchamuka, uye ndichakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi uye vana venyu vachava nherera.

25. “Kana mukakweretesa mari kuno mumwe wavanhu vangu vari pakati penyu vanoshaya, musaita somunhu webasa rokukweretesa; musamuripisa yava nemhindu.

26. Kana ukatora jasi romuvakidzani wako sechitsidzo, uridzorere kwaari zuva rodoka,

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 22