Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 21:9-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Kana akamusarudzira mwanakomana wake, anofanira kumupa kodzero dzomwanasikana.

10. Kana akawana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvowokutanga, nguo kana kodzero dzokuwanikwa.

11. Kana asingamupi zvinhu zvitatu izvi, anofanira kuenda akasununguka pasina kana mari yaanoripa.

12. “Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa.

13. Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura.

14. Asi kana munhu akaronga uye akauraya mumwe munhu nobwoni, mumubvise paaritari yangu uye mumuuraye.

15. “Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.

16. “Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa.

17. “Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.

18. “Kana vanhu vakakakavadzana uye mumwe akarova mumwe nebwe kana nechibhakera chake uye akasafa asi akavata panhoo,

19. munhu arova haazobatwi nemhosva kana mumwe wacho akamuka akafambafamba kunze nomudonzvo wake; kunyange zvakadaro hazvo, anofanira kuripa munhu akakuvara nokuda kwokurasikirwa kwake nenguva yake uye aone kuti apora zvachose.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 21