Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 21:5-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. “Asi muranda akati, ‘Ndinoda tenzi wangu uye mukadzi wangu navana uye handisi kuda kusunungurwa,’

6. ipapo tenzi wake anofanira kuenda naye pamberi pavatongi. Achaenda naye pamukova kana pagwatidziro romukova agomubvoora nzeve yake norunji. Ipapo achava muranda wake kwoupenyu hwake hwose.

7. “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave murandakadzi, iyeye haafaniri kusunungurwa kuti aende sezvinoita varandarume.

8. Kana asingafadzi tenzi akamusarudza kuti ave wake, anofanira kumurega kuti adzikinurwe. Haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa, nokuti aputsa chitenderano naye.

9. Kana akamusarudzira mwanakomana wake, anofanira kumupa kodzero dzomwanasikana.

10. Kana akawana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvowokutanga, nguo kana kodzero dzokuwanikwa.

11. Kana asingamupi zvinhu zvitatu izvi, anofanira kuenda akasununguka pasina kana mari yaanoripa.

12. “Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa.

13. Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 21