Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 21:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake.

4. Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye akamuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi navana vake vachava vatenzi wake, uye murume chete ndiye achasunungurwa kuti aende hake.

5. “Asi muranda akati, ‘Ndinoda tenzi wangu uye mukadzi wangu navana uye handisi kuda kusunungurwa,’

6. ipapo tenzi wake anofanira kuenda naye pamberi pavatongi. Achaenda naye pamukova kana pagwatidziro romukova agomubvoora nzeve yake norunji. Ipapo achava muranda wake kwoupenyu hwake hwose.

7. “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave murandakadzi, iyeye haafaniri kusunungurwa kuti aende sezvinoita varandarume.

8. Kana asingafadzi tenzi akamusarudza kuti ave wake, anofanira kumurega kuti adzikinurwe. Haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa, nokuti aputsa chitenderano naye.

9. Kana akamusarudzira mwanakomana wake, anofanira kumupa kodzero dzomwanasikana.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 21