Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 21:24-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka,

25. kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga.

26. “Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake.

27. Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake.

28. “Kana hando ikatunga murume kana mukadzi akafa, hando iyoyo inofanira kutakwa namambwe kusvika yafa, uye nyama yayo haifaniri kudyiwa.

29. Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa.

30. Kunyange zvakadaro hazvo, kana pachidikanwa muripo unobva kwaari angadzikinura hake upenyu hwake nokuripa zvose zvazvo zvinodikanwa.

31. Murayiro uyu unobatawo kana hando iyi yatunga mwanakomana kana mwanasikana.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 21