Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 21:20-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. “Kana munhu akarova murandarume wake kana murandakadzi netsvimbo uye muranda akafa nokuda kwokurohwa, anofanira kurangwa,

21. asi haafaniri kurangwa kana muranda akamuka shure kwezuva rimwe chete kana maviri, sezvo muranda ari mudziyo wake.

22. “Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva.

23. Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu,

24. ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka,

25. kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga.

26. “Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake.

27. Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake.

28. “Kana hando ikatunga murume kana mukadzi akafa, hando iyoyo inofanira kutakwa namambwe kusvika yafa, uye nyama yayo haifaniri kudyiwa.

29. Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 21