Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 21:16-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. “Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa.

17. “Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.

18. “Kana vanhu vakakakavadzana uye mumwe akarova mumwe nebwe kana nechibhakera chake uye akasafa asi akavata panhoo,

19. munhu arova haazobatwi nemhosva kana mumwe wacho akamuka akafambafamba kunze nomudonzvo wake; kunyange zvakadaro hazvo, anofanira kuripa munhu akakuvara nokuda kwokurasikirwa kwake nenguva yake uye aone kuti apora zvachose.

20. “Kana munhu akarova murandarume wake kana murandakadzi netsvimbo uye muranda akafa nokuda kwokurohwa, anofanira kurangwa,

21. asi haafaniri kurangwa kana muranda akamuka shure kwezuva rimwe chete kana maviri, sezvo muranda ari mudziyo wake.

22. “Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva.

23. Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu,

24. ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka,

25. kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga.

26. “Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake.

27. Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 21