Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 20:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uye Mwari akataura mashoko aya ose akati:

2. “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti, munyika youranda.

3. “Usava navamwe vamwari kunze kwangu.

4. “Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura.

5. Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga,

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 20