Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 18:19-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Nditeerere iye zvino uye ndichakupa zano, uye Mwari ngaave newe. Iwe unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye iwe ugouyisa magakava avo kwaari.

20. Uvadzidzise mitemo uye mirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita.

21. Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi.

22. Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe.

23. Kana uchiita izvi uye Mwari achikurayira, uchagona kutakura mutoro uyu, uye vanhu vose ava vachaenda kudzimba vagutsikana.”

24. Mozisi akateerera tezvara wake akaita zvinhu zvose zvaakareva.

25. Akasarudza varume vaikwanisa kubva pakati pavaIsraeri vose akavaita vatungamiriri vavanhu, akavaita vabati vezviuru, vabati vamazana, vabati vamakumi mashanu, navabati vegumi.

26. Vakashanda savatongi vavanhu nguva dzose. Mhaka dzakaoma ndidzo dzavakauya nadzo kuna Mozisi, asi dzakareruka ndivo vaitonga ivo pachavo.

27. Ipapo Mozisi akatendera tezvara wake kuti aende hake, uye Jeturo akadzokera kunyika yake.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 18