Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 18:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Jeturo, muprista weMidhiani uye ari tezvara waMozisi, akanzwa zvinhu zvose zvakaitirwa Mozisi naMwari uye nokuvanhu vake ivo vaIsraeri, uye kuti Jehovha akanga abudisa vaIsraeri sei kubva muIjipiti.

2. Shure kwokunge Mozisi adzosera Zipora mukadzi wake, tezvara wake Jeturo akagamuchira Zipora

3. navanakomana vake vaviri. Mumwe mwanakomana akatumidzwa kunzi Gerishomi nokuti akati, “Ndava mutorwa munyika yavamwe;”

4. uye mumwe akatumidzwa kunzi Eriezeri, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu; akandiponesa kubva pamunondo waFaro.”

5. Jeturo, tezvara waMozisi, pamwe chete navanakomana vaMozisi nomukadzi wake, vakauya kwaari kurenje, kwaakanga akadzika musasa pedyo negomo raMwari.

6. Jeturo akanga atumira shoko kwaari achiti, “Ini, tezvara wako Jeturo, ndiri kuuya kwauri nomukadzi wako navanakomana vako vaviri.”

7. Saka Mozisi akabuda kundochingamidza tezvara wake uye akakotama pasi akamutsvoda. Vakakwazisana ndokubva vapinda mutende.

8. Mozisi akataurira tezvara wake zvinhu zvose zvakaitwa naJehovha kuna Faro nokuvaIjipita nokuda kwavaIsraeri, uyewo nokutambudzika kwavakasangana nako munzira, uye kuti Jehovha akavaponesa sei.

9. Jeturo akafara kunzwa nezvezvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha, mukuvanunura kubva muruoko rwavaIjipita.

10. Akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununura kubva muruoko rwavaIjipita norwaFaro, uye iye akanunura vanhu kubva muruoko rwavaIjipita.

11. Zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwe vamwari vose, nokuti akaita izvi kuna avo vakabata vaIsraeri nokuzvikudza.”

12. Ipapo Jeturo, tezvara waMozisi, akauya nechipiriso chinopiswa nezvimwewo zvibayiro kuna Mwari, uye Aroni akauya navakuru vose veIsraeri kuti vazodya chingwa pamwe chete natezvara waMozisi pamberi paMwari.

13. Fume mangwana, Mozisi akagara pachigaro chake kuti ashande somutongi wavanhu, uye ivo vakamira vakamupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana.

14. Tezvara wake akati aona zvose zvakanga zvichiitwa naMozisi kuvanhu, akati, “Chiiko ichi chauri kuitira vanhu? Seiko iwe uchitonga uri woga, asi vanhu vose ava vamire vakakupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana?”

15. Mozisi akamupindura akati, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzotsvaka kuda kwaMwari.

16. Pose pavanouya negakava vanouya kwandiri, uye ini ndotonga pakati pavo uye ndovazivisa mitemo nemirayiro yaMwari.”

17. Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 18