Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 17:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda.

12. Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwena.

13. Saka Joshua akakunda hondo yavaAmareki nomunondo.

14. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora izvi mubhuku chive chinhu chingarangarirwa uye uve nechokwadi kuti Joshua azvinzwa, nokuti ndichabvisa chirangaridzo chose cheAmareki pasi pedenga.”

15. Mozisi akavaka aritari akaitumidza kuti “Jehovha ndiye Mureza wangu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 17