Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 16:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugunun'una kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.”

9. Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’ ”

10. Aroni achiri kutaura neungano yose yavaIsraeri vakatarisa kurenje uye vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore.

11. Jehovha akati kuna Mozisi,

12. “Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 16