Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 16:27-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vanhu vakabuda kundounganidza nezuva rechinomwe, asi havana chavakawana.

28. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muchasvika riniko muchiramba kuchengeta mirayiro yangu nezvandakurayira?

29. Rangarirai kuti Jehovha akakupai Sabata; ndokusaka pazuva rechitanhantu achikupai chingwa chamazuva maviri. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuramba agere paari ipapo pazuva rechinomwe; hakuna anobuda kunze.”

30. Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe.

31. Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa nouchi.

32. Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Mutore omeri yemana mugoichengetera marudzi anotevera, kuti vagoona chingwa chandakakupai kuti mudye muri murenje pandakakubudisai kubva munyika yeIjipiti.’ ”

33. Saka Mozisi akati kuna Aroni, “Tora mudziyo ugoisa omeri yemana imomo. Ipapo ugozviisa pamberi paJehovha kuti zvichengeterwe marudzi anotevera.”

34. Sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi, Aroni akaisa mana pamberi peChipupuriro, kuti ichengetwepo.

35. VaIsraeri vakadya mana kwamakore makumi mana, kusvikira vasvika kunyika yaiva navanhu; vakadya mana kusvikira vasvika pamuganhu weKenani.

36. (Omeri ndiro chegumi cheefa.)

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 16