Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 16:15-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.

16. Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha achiti, ‘Mumwe nomumwe anofanira kuunganidza zvinomukwanira. Utorere munhu mumwe nomumwe waunaye mutende rako omeria rimwe chete.’ ”

17. VaIsraeri vakaita sezvavakaudzwa; vamwe vakaunganidza zvakawanda, vamwe zvishoma.

18. Uye pavakayera neomeri; uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira.

19. Ipapo Mozisi akati kwavari, “Hakuna munhu anofanira kusara nezvimwe kusvikira mangwanani.”

20. Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vavo havana kuteerera kuna Mozisi, vakachengeta zvimwe zvacho kusvikira mangwanani, asi zvakanga zvazara nehonye uye zvatanga kunhuwa. Saka Mozisi akavatsamwira.

21. Mangwanani oga oga munhu mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira, uye zuva parakanga ropisa, zvakanyunguduka.

22. Pazuva rechitanhatu, vakaunganidza zviyero zviviri, maomeri mavirib pamunhu mumwe nomumwe, uye vatungamiri veungano vakauya vakazivisa izvi kuna Mozisi.

23. Iye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: ‘Mangwana izuva rokuzorora, Sabata dzvene kuna Jehovha. Saka bikai zvamunofanira kubika uye muvidze zvamunofanira kuvidza. Chengetai zvose zvinenge zvasara, mugozvichengeta kusvikira mangwanani.’ ”

24. Saka vakazvichengeta kusvikira mangwanani, sezvavakarayirwa naMozisi, uye hazvina kunhuwa kana kuva namakonye mazviri.

25. Mozisi akati, “Muzvidye iye nhasi, nokuti nhasi iSabata kuna Jehovha. Hamuzombowani chimwe chazvo pasi iye nhasi.

26. Muzviunganidze kwamazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe, iSabata, hakuzombovi nechinhu.”

27. Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vanhu vakabuda kundounganidza nezuva rechinomwe, asi havana chavakawana.

28. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muchasvika riniko muchiramba kuchengeta mirayiro yangu nezvandakurayira?

29. Rangarirai kuti Jehovha akakupai Sabata; ndokusaka pazuva rechitanhantu achikupai chingwa chamazuva maviri. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuramba agere paari ipapo pazuva rechinomwe; hakuna anobuda kunze.”

30. Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe.

31. Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa nouchi.

32. Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Mutore omeri yemana mugoichengetera marudzi anotevera, kuti vagoona chingwa chandakakupai kuti mudye muri murenje pandakakubudisai kubva munyika yeIjipiti.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 16