Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 16:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti.

2. Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni.

3. VaIsraeri vakati kwavari, “Dai chete takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.”

4. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe uye vaunganidze zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira.

5. Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pana mamwe mazuva.”

6. Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti,

7. uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti akanzwa kugunun'una kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko, zvamunotipopotera?”

8. Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugunun'una kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 16