Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 16:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti.

2. Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni.

3. VaIsraeri vakati kwavari, “Dai chete takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.”

4. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe uye vaunganidze zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira.

5. Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pana mamwe mazuva.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 16