Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 15:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. “Muvengi akazvikudza achiti, ‘Ndichavatevera, ndichavabata. ndichagova zvakapambwa; ndichazvimbirwa navo. Ndichavhomora munondo wangu uye ruoko rwangu ruchavaparadza.’

10. Asi makafuridza nokufema kwenyu, uye gungwa rikavafukidza. Vakanyura somutobvu mukati memvura ine simba.

11. “Ndianiko pakati pavamwari akaita semi, imi Jehovha? Ndiani akaita semi, paumambo noutsvene, mukubwinya kunotyisa, anoita zvishamiso?

12. Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi uye nyika ikavamedza.

13. “Murudo rwenyu rusingaperi muchatungamirira vanhu vamakadzikinura. Musimba renyu imi muchavatungamirira kuugaro hwenyu hutsvene.

14. Ndudzi dzichazvinzwa uye dzichadedera; kurwadziwa kuchabata vanhu vokuFiristia.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 15