Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 15:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. kutya nokuvhunduka zvichavawira. Nesimba roruoko rwenyu vachanyarara kunge dombo, kusvikira vanhu venyu vapfuura, imi Jehovha, kusvikira vanhu vamakatenga vapfuura.

17. Muchaenda navomo uye mugovasima pagomo renhaka yenyu, nzvimbo tsvene yakasimbiswa namaoko enyu, imi Jehovha.

18. Jehovha achatonga nokusingaperi-peri.”

19. Mabhiza aFaro, ngoro navatasvi vamabhiza vakapinda mugungwa, Jehovha akauyisa mvura yomugungwa pamusoro pavo, asi vaIsraeri vakafamba napakati pegungwa pavhu rakaoma.

20. Ipapo Miriamu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora tambureni muruoko rwake, uye vakadzi vose vakamutevera, vana matambureni uye vachitamba.

21. Miriamu akavaimbira akati:“Imbirai Jehovha, nokuti anokudzwa zvikuru kuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 15