Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 15:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. “Ndianiko pakati pavamwari akaita semi, imi Jehovha? Ndiani akaita semi, paumambo noutsvene, mukubwinya kunotyisa, anoita zvishamiso?

12. Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi uye nyika ikavamedza.

13. “Murudo rwenyu rusingaperi muchatungamirira vanhu vamakadzikinura. Musimba renyu imi muchavatungamirira kuugaro hwenyu hutsvene.

14. Ndudzi dzichazvinzwa uye dzichadedera; kurwadziwa kuchabata vanhu vokuFiristia.

15. Madzishe eEdhomu achavhundutswa, vatungamiri veMoabhu vachabatwa nokudedera, vanhu veKenani vachanyunguduka;

16. kutya nokuvhunduka zvichavawira. Nesimba roruoko rwenyu vachanyarara kunge dombo, kusvikira vanhu venyu vapfuura, imi Jehovha, kusvikira vanhu vamakatenga vapfuura.

17. Muchaenda navomo uye mugovasima pagomo renhaka yenyu, nzvimbo tsvene yakasimbiswa namaoko enyu, imi Jehovha.

18. Jehovha achatonga nokusingaperi-peri.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 15