Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 14:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Jehovha akaomesa mwoyo waFaro mambo weIjipiti, kuti atevere vaIsraeri, avo vakanga vachifamba vakashinga kwazvo.

9. VaIjipita, mabhiza ose aFaro nengoro dzake, vatasvi vamabhiza namauto, vakatevera vaIsraeri vakavabata pavakanga vadzika musasa pagungwa pedyo nePi Hahiroti, pakatarisana neBhaari Zefoni.

10. Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona havo vaIjipita, vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha.

11. Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti?

12. Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here?’ Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!”

13. Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona rusununguro rwaJehovha rwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve.

14. Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 14