Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 14:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Taurira vaIsraeri kuti vadzoke vagondodzika musasa pedyo nePi Hahiroti, pakati peMigidhori negungwa. Vanofanira kudzika misasa pedyo nepagungwa, pakatarisana neBhaari Zefoni.

3. Faro achafunga kuti, ‘VaIsraeri vari kungodzungaira nenyika vakanganisika, vadzimira murenje.’

4. Uye ndichaomesa mwoyo waFaro, agovatevera. Asi ini ndichazviwanira kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha.” Saka vaIsraeri vakaita izvozvo.

5. Mambo weIjipiti akati audzwa kuti vanhu vatiza, Faro namachinda ake vakapindura pfungwa dzavo pamusoro pavo uye vakati, “Ko, taitei? Tarega vaIsraeri vachienda uye havachatishandiri!”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 14